아래는 노래 가사입니다. Ruva Rangu , 아티스트 - Decibel 번역 포함
번역이 포함된 원본 텍스트
Decibel
Ruva rangu Dai waiziya
Zvandinonzwa nezviri mukati memoyo wangu
Kana kuti dai waipiwa zviri munjere nezviri muurongwa hwangu
Nyango ndisipo ingozviziya akuna mumwe angatore Moyo wangu
Kufunganya dai wambomira
Uhmm baby
Mwanasikana Uri tsvarakadenga mundangariro dzangu ndiwe wega
Tora Moyo wangu usaudonedza mudiwa wangu usafa wandisiya ndega
Nyenyedzi yekuchirimo ingondidana
Ndiripo kubvira kare Kare ndichida iwewe wega
Ndaiterera mashoko ndakayeva chimiro pawakandida ndakabata denga
Ngatiende Kure kusina vamwe, mudiwa wangu tonovaka pedu tega
Mwanasikana uri tsvarakadenga mundangariro dzangu ndiwe wega
Tora Moyo wangu usaudonedza mudiwa usafa wandisiya ndega
Nyeredzi yekuchirimo ingondidana
Ndiripo kubvira kare Kare ndichida iwe
Ndaiterera mashoko ndakayeva chimiro pawakandida ndakabata denga
Ngatiende Kure kusina vamwe mudiwa wangu tonovaka pedu tega
Ruva rangu Dai waiziya zvandinonzwa nezviri mukati memoyo wangu
Kana kuti dai waipiwa zviri munjere nezviri muurongwa hwangu
Nyangwe ndisipo ingozviziya akuna mumwe angatore Moyo wangu
Kufunganya dai wambomira
Uhmm baby
Chinangwa changu ndechekuti unzwe
Andichadzokere kumashure
Ndichatokukanda babe mumambure
Machena chena huya ndikudzumbure
Kwatosanga kwese unonditi mbunde
Nechimwe changu kwatakabva Kure
Rudo runotoda une Moyo murefu
Kuti uwane umwe
Ndaunganidza shunde
Pamwe chete nemombe
Zvese zvinodiwa kuti ndiroore
Ndakuda uuye
Patosangana pèse mbunde mbunde
Nechimwe changu kwatakabva Kure
Tiende Kure kusina vamwe mudiwa wangu tonovaka pedu tega
Ruva rangu Dai waiziya zvandinonzwa nezviri mukati memoyo wangu
Kana kuti dai waipiwa zviri munjere nezviri muurongwa hwangu
Nyangwe ndisipo ingozviziya akuna mumwe angatore Moyo wangu
Kufunganya dai wambomira
Uhmm baby
다양한 언어로 된 노래
모든 언어로 고품질 번역
몇 초 만에 원하는 텍스트를 찾으세요